Muringai
1 Clan under Muringai
Muringai (General)
Zulu
Maita Shava,Mhofu yomukono, Ziwewera Hekani Mutekedza Vakatekedzana paJanga Vakapiwa vakadzi munyika yavaNjanja Hekani Mutekedza, vari VuHera Mukonde Zvaitwa Mhukahuru, vemiswe inochenga miviri Ziendanetyaka, mutunhu une mago Vanovangira vashura vhu, kutsivira mutumbi Chidavarume, vanovhimwa navanonyanga Vasakamonera vakadzi dzenhema Vanomonera vakadzi dzamangondi Vanochemera wavatanga Vane misodzi inodonha pasi Kuti yadonha yoda nhevedzo yeromunhu ropa Tonotenda vari Matenhere Vari pazvikomo zveMbwenya Maita veTsambochena, Mhofu yomukono MAITA VACHIHERA CHIEDZA Kuyambuka rwizi mvura yakwira makomo Totenda voMuchimbare, veGuruuswa Vane nzangachena kunge mwedzi wejenachena Kuziva zvenyu VaShava Mukonde, vari Gombe Zvaonekwa vahombarume, zvaitwa Mbiru Aiwa, zvaonekwa Sarirambi, zvaiitwa Nyashanu.