My Family Browse Surnames Sign In Join Free
BrowseM → Makombe
Makombe
Makombe (General)
Venda
0 followers
Hekani Homba Hekani Makombe Maita Makombe akakomberedza nyika Maita wari Barwe Gwindingwi guru Kuziwa kwenyu Nyanguru Zvaitwa Nguruve Chirema Mutakurwa. Wane muromo unenge gombe rekucheresa mvura Zvaitwa Chirimanemuromo Wanorima nemuromo asi mapadza aripo Munochera pasi nemuromo Mapadza muchipa varanda Vari Barwe Maita watsuri wenyuchi Makapedza rudzi rwewamwe nenyuchi Makatinhira maPutukezi munyanza Aiwa zvaonekwa tateguru wangu Makombe Zvaonekwa Zunzangara Chevakaranga naChibonyoyo Aiwa Matope Vari kuna Zambezi Vari kunaNyakadese Vari Karomokapuwe Ewo Nguruwe Humba! Makombe Maita Honde Maita Nyanguru
Share